settings icon
share icon
Mubvunzo

Chii chinonzi urongwa hwekuponeswa / nzira yeruponeso?

Mhinduro


Une nzara here? Haikona nzara yemuviri asi nzara yekuda upenyu? Haunzwi kugutsikana pasi pemwoyo here? Kana zvirizvo, Jesu ndiyo nzira! Jesu akati ““Ndini chingwa choupenyu. Ani naani anouya kwandiri haangatongovi nenzara, uye ani naani anotenda kwandiri haangatongovi nenyota” (Johani 6:35).

Wakavhiringidzwa here? Uri kushaya nzira kana chinangwa muupenyu here? Zviri kuita kunge pane munhu adzima mwenje ukashaya kuti wotungidza nepapi here? Kana zvirizvo, Jesu ndiyo nzira! Jesu akati “Ndini chiedza chenyika. Ani naani anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu” (Johani 8:12).

Unombonzwa kunge usiri kurarama here? Wakamboedza zvese zvese here, pasina chinobuda? Uri kutsvaga upenyu hunogutsa here? Kana zvirizvo, Jesu ndiyo nzira! Jesu akati “Ndini mukova; ani naani anopinda napandiri achaponeswa. Achapinda agobuda, uye achawana mafuro” (Johani 10:9).

Vamwe vanhu vanokubatisa pasi nguva dzose here? Ukama hwako nevamwe hahuna kumira zvakanaka here? Zvinoita kunge munhu wose ari kuda kukushandisa here? Kana zvirizvo, Jesu ndiyo nzira! Jesu akati ‘Ndini mufudzi akanaka. Mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake. Ndini mufudzi akanaka; ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva’ (Johani 10:11, 14).

Unombofunga zvichaitika kana wafa here? Waneta nekugara upenyu hwako nezvinhu zvinozongoora here? Unombonetseka kuti upenyu hahuna chinangwa here? Unoda kurarama humwe upenyu kana iwe wafa here? Kana zvirizvo, Jesu ndiyo nzira! Jesu akati “Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa; uye ani naani anorarama uye anotenda mandiri haangatongofi” (Johani 11:25-26).

Nzira ndeipi? Chokwadi ndechipi? Upenyu ndehupi? Jesu akapindura achiti “Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri” (Johani 14:6).

Nzara yauri kunzwa ndeyekunamata, uye inokwanisa kupedzwa naJesu chete. Jesu ndiye oga anokwanisa kubvisa rima. Jesu ndiye mukova weupenyu hunogutsa. Jesu ndiye shamwari uye mufudzi wawanga uchitsvaga. Jesu ndiye upenyu—pasi pano nekudenga. Jesu ndiye nzira yeruponeso!

Chiri kuita kuti unzwe nzara, chiri kuita kuti uve murima, chiri kuita kuti ushaye chinangwa muupenyu, imhaka yekuti wakaparadzana naMwari. Bhaibheri rinotiudza kuti tose takatadza tikaparadzaniswa naMwari (Muparidzi 7:20; VaRoma 3:23). Buri riri mumwoyo wako riripo nekuti Mwari haasi muupenyu hwako. Takasikwa kuti tive neukama naMwari. Asi pamusaka pekutadza takaparadzaniswa naMwari. Pamusoro paizvozvo kutadza kwedu kunoita kuti tive kure naMwari zvachose, pasi pano nekudenga (VaRoma 6:23; Johani 3:36).

Dambudziko iri ringapedzwa sei? Jesu ndiyo nzira! Jesu akatakura zvivi zvedu (2 VaKorinde 5:21). Jesu akatifira, (VaRoma 5:8) achirangwa pamusaka pedu. Kwapera mazuva matatu, Jesu akamuka kubva kuvafi akaratidza kuti akunda chivi nerufu (VaRoma 6:4-5). Akazviitirei? Jesu akapindura mubvunzo uyu achiti “Hakuna munhu ano rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu hwake nokuda kweshamwari dzake” (Johani 15:13). Jesu akafa kuti tirarame. Kana tikatenda muna Jesu, tovimba kuti kufa kwake kwakabhadhara zvivi zvedu, zvivi zvedu zvose zvinokanganwirwa zvogezwa. Nzara yedu yekunamata yobva yapera. Mwenje wobaka. Tinenge tava kukwanisa kuva neupenyu hunogutsa. Tinenge tava kuziva shamwari yedu yepamwoyo uye mufudzi akanaka. Tichaziva kuti tichararama chero tafa—kudenga naye Jesu nekusingaperi!

“Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi” (Johani 3:16).

Zvawaverenga pano zvaita kuti ude Kristu here? Kana zvirizvo, dzvanya bhatani rakanzi “Nhasi ndagamuchira Kristu” riri pasi apa.

English



Dzokera kupeji yekutanga yemutauro weShona

Chii chinonzi urongwa hwekuponeswa / nzira yeruponeso?
© Copyright Got Questions Ministries