settings icon
share icon
Mubvunzo

Wakakanganwirwa Here? Ndingaita sei kuti ndikanganwirwe zvitadzo zvangu naMwari?

Mhinduro


Mabasa 13:38 inoti “Naizvozvo, hama dzangu, ndinoda kuti muzive kuti kubudikidza naJesu, kukanganwirwa kwezvivi kunoparidzwa kwamuri.”

Chii chinonzi kukanganwirwa uye sei tichichida kukanganwirwa?

Shoko rokuti “kanganwira” rinoreva kugeza wochenesa, kuregerera, kudzima chikwereti. Patinotadzira mumwe munhu, tinokumbira ruregerero kuti tirambe tichiwirirana. Munhu haakanganwirwi nemhaka chete yokuti anofanira kuregererwa. Hapana munhu ane kodzero yekukanganwirwa. Ruregerero runovapo nemhaka yerudo, tsitsi kana nyasha. Ruregerero kuzvipira kuti hauna chauchachengeta pamwoyo pamusoro pemunhu akutadzira zvisinei kuti atadzei.

Bhaibheri rinotiudza kuti tose tinoda kukanganwirwa naMwari. Tose takatadza. Muparidzi 7:20 inoti “Hapana munhu akarurama panyika, anoita zvakanaka uye asingatadzi.” 1 Johani 1:8 inoti “Kana tichiti hatina chivi, tinozvinyengera uye chokwadi hachizi matiri.” Zvitadzo zvose kupandukira Mwari (Mapisarema 51:4). Saka tinoguma tada kuregererwa naMwari zvakanyanya. Kana zvivi zvedu zvikasakanganwirwa, tinoramba tichitambura nekusingagumi (Mateo 25:46; Johani 3:36).

Kanganwiro—Ndingaiwana Sei?

Tototenda kuti Mwari ane rudo uye ane tsitsi—Atori neshungu dzekutiregerera zvitadzo zvedu! 2 Petro 3:9 inotiudza kuti “. . . Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke.” Mwari anoda kutiregerera uye akaita urongwa hwacho.

Mubairo wakakodzera wezvitadzo zvedu rufu. Chikamu chekutanga chaVaRoma 6:23 chinoti “Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu.” Zvitadzo zvedu zvakatipa rufu rusingaperi. Mwari, nechirongwa chake chakakwana, akave munhu—Jesu Kristu (Johani 1:1, 14). Jesu akafira pamuchinjikwa, achitora mutongo wedu uyo waive rufu. 2 VaKorinde 5:21 inotidzidzisa kuti “Mwari akaita kuti uyo akanga asina chivi ave chivi nokuda kwedu, kuitira kuti maari tive kururama kwaMwari.” Jesu akafira pamuchinjikwa, achitora mutongo wataifanira kuwana! SaMwari, kufa kwaJesu kwakaita kuti nyika yose iregererwe zvivi zvese. 1 Johani 2:2 inoti “Ndiye chibayiro chinoyananisira zvivi zvedu, uye kwete zvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose.” Jesu akamuka kubva kuvafi kuratidza simba rake pachivi nerufu (1 VaKorinde 15:1-28). Rumbidzai Mwari, tichishandisa kufa nekumuka kwaJesu Kristu, chikamu chechipiri chaVaRoma 6:23 chinoti “asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.”

Unoda kuregererwa zvitadzo zvako here? Une mhosva inogara ichikushungurudza here? Unogona kukanganwirwa kana ukatenda muna Jesu Kristu seMuponesi wako. VaEfeso 1:7 inoti “Iye watine dzikunuro maari kubudikidza neropa rake, iko kuregererwa kwezvivi, zviri maererano nokupfuma kwenyasha dzaMwari.” Jesu akabhadhara mubayiro wezvivi zvedu, kuti tikanganwirwe. Chasara kuti uite kukumbira Mwari kuti akukanganwire kubudikidza naJesu, uchitenda kuti akafa kuti ukwanise kuregererwa—uye Achakukanganwira! Johani 3:16 ine mashoko aya anofadza chaizvo anoti “Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake panyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kubudikidza naye.”

Kukanganwirwa—Zviri Nyore Kudaro here?

Hongu, zviri nyore chaizvo. Haukwanisi kungoregererwa. Haukwanisi kubhadhara kuti Mwari akuregerere. Unogona kukanganwirwa chete, nekutenda kubudikidza nenyasha uye tsitsi dzaMwari. Kana uchida kugamuchira Jesu Kristu seMuponesi wako, pano pane munyengetero waungapa. Asi hazvirevi kuti kudzokorora munyengetero uyu kana umwewo kuchakuponesa. Chichakuponesa chete pazvitadzo kuvimba naKristu. Munyengetero uyu ingori nzira yekuti uudze Mwari kutenda kwako nokuti akaita kuti ukwanise kuponeswa. “Mwari, ndinoziva kuti ndakakutadzirai uye ndinofanira kurangwa. Asi Jesu Kristu akatakura chirango chacho chaifanira kuuya pandiri zvoita kuti kana ndikatenda maari ndiregererwe. Ndinovimba Nemi kuti mundiponese. Ndinokutendai netsitsi dzenyu dzinoshamisa uye kuregerera kwenyu—chipo cheupenyu husingaperi! Ameni!”

Zvawaverenga pano zvaita kuti ude Kristu here? Kana zvirizvo, dzvanya bhatani rakanzi “Nhasi ndagamuchira Kristu” riri pasi apa.

English



Dzokera kupeji yekutanga yemutauro weShona

Wakakanganwirwa Here? Ndingaita sei kuti ndikanganwirwe zvitadzo zvangu naMwari?
© Copyright Got Questions Ministries