settings icon
share icon
Mubvunzo

Wakawana Upenyu husingaperi here?

Mhinduro


Bhaibheri rinotsanangura zvakajeka mawaniro aungaita upenyu husingaperi. Chekutanga, tinofanirwa kuziva kuti takatadzira Mwari: “Nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari” (VaRoma 3:23). Tose takaita zvinhu zvisingafadzi Mwari, zvinoita kuti tikodzere kupiwa chirango. Nokuti tinenge tichitadzira Mwari anogara aripo nokusingaperi, chirango chedu chinofanira kuvapo nokusingaperi. “Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu” (VaRoma 6:23).

Zvisinei, Jesu Kristu, uyo asina zvitadzo (1 Petro 2:22), Mwanakomana waMwari ane upenyu husingaperi uyo akava munhu wenyama (Johani 1:1, 14) akafira zvitadzo zvedu. “Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira” (VaRoma 5:8). Jesu akafira pamuchinjikwa (Johani 19:31-42), achitora chirango chataifanirwa kuwana. (2 VaKorinde 5:21). Pashure pemazuva matatu akamuka kubva kuvakafa (1 VaKorinde 15:1-4), zvichiratidza masimba ake ekukunda rufu. “Nengoni dzake huru, akatibereka patsva akatipinza mutariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa” (1 Petro 1:3).

Nekutenda, tinofanira kuchinja maonero atinoita Kristu—kuti iye ndiani, kuti akaitei, uye kuti akazviitirei—kuti tiponeswe (Mabasa 3:19). Kana tikatenda maari, tichibvuma kuti kufa kwaakaita pamuchinjikwa kwakabhadhara zvivi zvedu, ticharegererwa towana vimbiso yeupenyu husingaperi. “Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi” (Johani 3:16). “Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa” (VaRoma 10:9). Kutenda basa rakaitwa naJesu chete pamuchinjikwa ndiyo nzira inoendesa kuupenyu husingaperi. “Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari, kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza” (VaEfeso 2:8-9).

Kana uchida kugamuchira Jesu Kristu seMuponesi wako, pano pane munyengetero waungapa. Asi hazvirevi kuti kudzokorora munyengetero uyu kana umwewo kuchakuponesa. Chichakuponesa chete pazvitadzo kuvimba naKristu. Munyengetero uyu ingori nzira yekuti uudze Mwari kutenda kwako nokuti akaita kuti ukwanise kuponeswa. "Mwari, ndinoziva kuti ndakakutadzirai uye ndinofanira kurangwa. Asi Jesu Kristu akatakura chirango chacho chaifanira kuuya pandiri zvoita kuti kana ndikatenda maari ndiregererwe. Ndinovimba Nemi kuti mundiponese. Ndinokutendai netsitsi dzenyu dzinoshamisa uye kuregerera kwenyu—chipo cheupenyu husingaperi! Ameni!"

Zvawaverenga pano zvaita kuti ude Kristu here? Kana zvirizvo, dzvanya bhatani rakanzi “Nhasi ndagamuchira Kristu” riri pasi apa.

English



Dzokera kupeji yekutanga yemutauro weShona

Wakawana Upenyu husingaperi here?
© Copyright Got Questions Ministries