settings icon
share icon
Mubvunzo

Jesu Kristu Ndiani?

Mhinduro


Kusiyana nemubvunzo unoti “Mwari Ariko Here”, vanhu vakawanda havarambi kuti Jesu Kristu akararama. Vazhinji vanobvuma kuti Jesu aiva munhu chaiye akafamba panyika pano kuIsraeri makore anodarika 2 000 apfuura. Nharo dzinotanga kana zvava kuda kuzivikanwa kuti Jesu ambori ani. Zvinenge zvitendero zvikuru zvose zvinodzidzisa kuti Jesu akanga ari muprofita kana kuti mudzidzisi akanaka kana kuti aiva munhu waMwari. Zviripo ndezvekuti Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jesu akanga achidarika muprofita, aidarika kuva mudzidzisi akanaka, aisangova munhu waMwari.

C.S. Lewis, mubhuku rake rinonzi Mere Christianity anonyora achiti: “Ndiri kunyora ndichiedza kuti vanhu varege kutaura zvisina maturo zvavanowanzotaura pamusoro Pake (Jesu Kristu): ‘Ndinobvuma kuti Jesu aiva mudzidzisi akanaka, asi handibvumi zvaakataura kuti ndiMwari.’ Izvi ndizvo zvatisingafaniri kufa takataura. Munhu aingova munhu wenyama otaura zvaitaurwa naJesu aisazongova mudzidzi akanaka. Zvimwe aizenge ari benzi remakoko—kufanana nemunhu anozviti izai rakabhoiriswa—kana kuti aizenge ari Satani mbune abva kuhero. Sarudza zvawada. Zvichida munhu uyu aiva, uye ndiye, Mwanakomana waMwari, kana kuti mupengo kana chimwe chinhu chinoshoreka. Ungangomunyararidza uchiti ibenzi; kana kumusvipira nekumuuraya sedhimoni; kana kuti unodonha patsoka dzake uchimuti Ishe kana Mwari. Asi ngatisafa takamuona sekuti aingova munyu wenyama aigona kudzidzisa. Haana kumbobvira atipa mukana wekumuona saizvozvo. Handizvo zvaaida.”

Saka Jesu aiti ndiye ani? Bhaibheri rinoti iye ndiye ani? Kutanga, ngatitarise mashoko ake pana Johani 10: 30 anoti “Ini naBaba tiri vamwe.” Ukasadzamisa pfungwa, ungasaona kuti aitaura kuti ndiMwari. Zvisinei, ngatitarise kuvhunduka kwakaita vaJudha pakataurwa mashoko aya: “Hatisi kukutakira basa ripi zvaro ipapa, asi nokuda kwokumhura Mwari, nokuti iwe, munhuwo zvake, unozviti uri Mwari” (Johani 10:33). VaJudha vakaziva kuti Jesu aizviti ndiMwari. Mumavhesi anotevera, Jesu haambogadzirisa vaJudha achiti “Handina kumboti ndiri Mwari.” Izvi zvinoratidza kuti Jesu aitotaura kuti ndiye Mwari paakati “Ini naBaba tiri vamwe” (Johani 10:33). Mumwe muenzaniso ndiJohani 8:58 iyo inoti “Abhurahama asati azvarwa ini ndaivapo!” Kechipiri vaJudha vakanhonga matombo kuti vamuteme ( Johani 8:59). Kutaura kwaJesu achiti “Ini” ndizvo zvaiitwa naMwari muTestamende Yekare (Ekisodho 3:14). VaJudha vaizodirei kumutema dai ainge asina kutaura mashoko avaifunga kuti ndeekumhura Mwari, okuti iye ndiMwari?

Johani 1:1 inoti “Shoko rakanga riri Mwari.” Johani 1:14 inoti “Shoko rakava nyama.” Izvi zvinoratidza kuti Jesu aiva Mwari ari munhu wenyama. Mudzidzi Tomasi akati kuna Jesu “Ishe wangu naMwari wangu!” (Johani 20:28) Jesu haana kumururamisa. Muapostora Pauro anodaidza Jesu achiti “Mwari wedu mukuru noMuponesi, Jesu Kristu” (Tito 2:13). Muapostora Petro anotaura zvakafanana achiti “Mwari wedu noMuponesi wedu Jesu Kristu” (2 Petro 1:1). Mwari Baba anotibatsira kupa uchapupu huzere kuti Jesu ndiani “Asi pamusoro poMwanakomana anoti: “Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri, uye kururama kuchava tsvimbo youshe hwenyu.”” Uprofita hwaKristu huri muTestamende Yekare hunoburitsa hunoti “Nokuti takazvarirwa mwana, takapiwa mwanakomana, uye umambo huchava pamapfudzi ake. Uye achanzi Gota Rinoshamisa, Mwari Ane Simba, Baba Vokusingaperi, Muchinda woRugare” (Isaya 9:6).

Sekutaura kwakaita C.S Lewis, munhu wose anofanira kubvuma kuti Jesu aiva mudzidzisi akanaka. Jesu aitotaura zvisina nharo kuti ndiye Mwari. Kana asiri Mwari, saka munhu anonyepa, zvichireva kuti haasi muprofita, mudzidzisi akanaka kana munhu waMwari. Vachiedza kuramba zvakataurwa naJesu, “vanamuzvinafundo” vechimanje-manje vanoti “Jesu akararama panyika” haana kutaura zvinhu zvese zvaanonzi akataura neBhaibheri. Ko isu tiri vanani kupikisana neShoko raMwari pamusoro pezvakataurwa kana zvisina kutaurwa naJesu? “Muzvinafundo” wechimanje-manje angakunde sei vanhu vaigara naJesu kuziva zvaakataura kana zvaasina kutaura, kudarika vacho vakadzidziswa naJesu Pachake (Johani 14:26)?

Sei mubvunzo wekuti Jesu ambori ani wakanyanya kukosha? Zvine basa rei kuti Jesu ndiye Mwari here kana kuti haasi? Chikonzero chikuru chinoita kuti titi Jesu ndiMwari ndechekuti dai anga asiri Mwari, kufa kwake kwaisazokwanisa kubhadhara zvivi zvenyika (1 Johani 2:2). Mwari chete ndiye anokwanisa kubhadhara mutongo mukuru uyu (VaRoma 5:8; 2 VaKorinde 5:21). Jesu aitofanirwa kuva Mwari kuti akwanise kubhadhara mhosva dzako. Jesu aifanirwa kuita wenyama kuti afe. Ruponeso runowanika chete nekutenda muna Jesu Kristu. Kuva Mwari kwaJesu ndiko kunoita kuti ave ndiye chete ane ruponeso. Kuva Mwari kwaJesu ndiko kwakaita kuti ati “Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri” (Johani 14:6).

English



Dzokera kupeji yekutanga yemutauro weShona

Jesu Kristu Ndiani?
© Copyright Got Questions Ministries