settings icon
share icon
Mubvunzo

Jesu ndiMwari here? Jesu akambotaura here kuti ndiMwari?

Mhinduro


Jesu haana kumbobvira anzwikwa muBhaibheri achiti “Ndini Mwari.” Hazvirevi hazvo kuti haana kumboramba kuti ndiMwari. Ona mashoko aJesu ari pana Johani 10:30 “Ini naBaba tiri vamwe.” Ngationei zvakaitwa nevaJudha nemashoko Ake aya kuti tione kuti haana kuramba kuti akanga ari Mwari. Vakaedza kumutema nematombo nemhaka yemashoko ake. “. . . nokuti iwe, munhuwo zvake, unozviti uri Mwari”(Johani10:33). VaJudha vakanzwisisa zvairehwa naJesu chaizvo—kuti akanga ari Mwari. Ona kuti Jesu haarambi kuti iye ndiMwari. Jesu paakati “Ini naBaba tiri vamwe” (Johani 10:30), Aiedza kuti iye naBaba ndeverudzi rumwe. Ona zvekare zvinotaurwa naJohani 8:58. Jesu akati “Abhurahama asati azvarwa ini ndaivapo!” VaJudha pavakanzwa mashoko aya, vakanhonga matombo vakada kumuuraya vachiti ainge amhura Mwari, sezvaitaurwa neMutemo waMosesi (Revhitiko 24:15).

Johani anozotsanangura neimwe nzira mashoko acho achiti “Shoko rakanga riri Mwari” uye kuti “Shoko rakava nyama” (Johani 1:1; 14). Magwaro aya anoratidza kuti Jesu ndiMwari akava munhu wenyama. Mabasa 20:28 inotiudza kuti “Fudzai kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake pachake.” Ndiani akatenga kereke—kereke yaMwari—neropa rake pachake? NdiJesu Kristu. Mabasa 20:28 inoti Mwari akatenga kereke Yake neropa rake pachake. Saka Jesu ndiMwari!

Mudzidzi Tomasi akataura izvi maererano naJesu “Ishe wangu naMwari wangu!” (Johani 20:28). Jesu haana kumururamisa. Tito 2:13 inotikurudzira kuti timirire kuuya kwaMwari Wedu nemuponesi, iye Jesu Kristu. (Onawo 2 Petro 1:1) Pana VaHebheru 1:8, nezvaJesu Baba vanoti “Asi pamusoro poMwanakomana anoti: “Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri, uye kururama kuchava tsvimbo youshe hwenyu.” Baba vanodaidza Jesu vachiti “Mwari” zvinoratidza kuti Jesu ndiMwari.

Muna Zvakazarurwa, ngirozi yakaudza Johani kuti anamate Mwari chete (Zvakazarurwa 19:10). Kakawanda muMagwaro Jesu anonamatwa (Mateo 2:11, 14:33, 28:9, 17; Ruka 24:52; Johani 9:38). Jesu haana waanorambidza kumunamata. Dai Jesu anga asiri Mwari, angadai akaudza vanhu kuti varege kumunamata, sezvakaitwa nengirozi yataurwa muna Zvakazarurwa. Pane mamwe mavhesi akawanda muBhaibheri anoratidza kuti Jesu ndiMwari.

Chikonzero chikuru chinoita kuti titi Jesu ndiMwari ndechekuti dai anga asiri Mwari, kufa kwake kwaisazokwanisa kubhadhara zvivi zvenyika (1 Johani 2:2). Chisikwa, dai Jesu aingova munhu asiri Mwari, chaisakwanisa kubhadhara chikwereti chisingaperi chaidiwa naMwari asingaperi. Mwari chete ndiye aikwanisa kubhadhara mubhadharo wakadaro. Mwari chete ndiye aikwanisa kutakura zvivi zvenyika yose (2 VaKorinde 5:21), kwava kufa, kwava kumutswa, zvichiratidza masimba ake pachivi nerufu.

English



Dzokera kupeji yekutanga yemutauro weShona

Jesu ndiMwari here? Jesu akambotaura here kuti ndiMwari?
© Copyright Got Questions Ministries