settings icon
share icon
Mubvunzo

Ndinganzwanana sei naMwari?

Mhinduro


Kuti tikwanise “kunzwanana” naMwari, tinofanira kutanga taziva zvinoita kuti “tisanzwanana” Naye. Mhinduro yacho zvitadzo. “Hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe” (Mapisarema 14:3). Takapandukira mirayiro yaMwari; isu “takarasika samakwai,” (Isaya 53:6).

Chinorwadza ndechekuti mubayiro wechivi rufu. “Mweya unotadza ndiwo uchafa” (Ezekieri 18:4). Chinofadza ndechekuti Mwari ane rudo akaita kuti tikwanise kuponeswa. Jesu akataura kuti chinangwa Chake chaiva “kuzotsvaka nokuponesa chakarasika” (Ruka 19:10), uye akazivisa kuti chinangwa Chake chaitika paAkafira pamuchinjikwa achiti, “Zvapera!” (Johani 19:30).

Kuti uve shamwari yaMwari unofanira kutanga wabvuma kuti uri mutadzi. Zvadaro unofanira kureurura zvitadzo zvako uchizvininipisa kuna Mwari (Isaya 57:15) wotsidza kusazvidzokorora. “Nokuti unotenda nomwoyo wako ugoruramiswa, uye unopupura nomuromo wako ugoponeswa” (VaRoma 10:10).

Kupfidza uku kunofanira kufambirana nekutenda – kutenda zvakakwana kuti kufa kwaJesu sechibayiro uye kumutswa kwake nechishamiso kunoita Iye akodzere kuva Muponesi wako. “Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa” (VaRoma 10:9). Mamwe mavhesi akawanda anotaura kuti kutenda kwakakosha, akadai saJohani 20:27; Mabasa 16:31; VaGaratia 2:16; 3:11, 26; naVaEfeso 2:8.

Kunzwanana naMwari kunobva pane zvaunoita nezvaakakuitira. Akatuma Muponesi, Akapa chibayiro kuti chibvise zvivi zvako (Johani 1:29), uye Anovimbisa kuti: “Ani nani anodana kuzita raShe achaponeswa” (Mabasa 2:21).

Mufananidzo wemwanakomana mupambadzi ndiwo unonyatsoburitsa kunaka kwekutendeuka uye kuregererwa (Ruka 15:11-32). Mwanakomana muduku wacho akaparadza chipo chaakapiwa nababa vake achiita zvakaipa zvinonyadzisa (vhesi 13). Paakabvuma kuti akakanganisa, akasarudza kudzokera kumba (vhesi 18). Mupfungwa dzake akaona asisina kukodzera kunzi mwanakomana (vhesi 19), asi handizvo zvakazoitika. Baba vacho vakada mupanduki akanga adzoka kudarika zvavaimboita (vhesi 20). Akaregererwa zvose zvaakanga atadza, pakabva paitwa mabiko (vhesi 24). Mwari anoita zvaanenge avimbisa, kusanganisira kuvimbisa kwaakaita kuti anoregerera. “Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya” (Mapisarema 34:18).

Kana uchida kunzwanana naMwari, pano pane munyengetero waungapa. Asi hazvirevi kuti kudzokorora munyengetero uyu kana umwewo kuchakuponesa. Chichakuponesa chete pazvitadzo kuvimba naKristu. Munyengetero uyu ingori nzira yekuti uudze Mwari kutenda kwako nokuti akaita kuti ukwanise kuponeswa. "Mwari, ndinoziva kuti ndakakutadzirai uye ndinofanira kurangwa. Asi Jesu Kristu akatakura chirango chacho chaifanira kuuya pandiri zvoita kuti kana ndikatenda maari ndiregererwe. Ndinovimba Nemi kuti mundiponese. Ndinokutendai netsitsi dzenyu dzinoshamisa uye kuregerera kwenyu—chipo cheupenyu husingaperi! Ameni!"

Zvawaverenga pano zvaita kuti ude Kristu here? Kana zvirizvo, dzvanya bhatani rakanzi “Nhasi ndagamuchira Kristu” riri pasi apa.

English



Dzokera kupeji yekutanga yemutauro weShona

Ndinganzwanana sei naMwari?
© Copyright Got Questions Ministries