settings icon
share icon
Mubvunzo

Mwari ariko here? Kune umbowo here unoratidza kuti ariko Mwari?

Mhinduro


Hatikwanisi kuratidza kuti Mwari ariko here kana kuti haako here. Bhaibheri rinoti tinofanira kuva nekutenda kuti Mwari ariko. “Uye pasina kutenda hazvibviri kufadza Mwari, nokuti ani naani anouya kwaari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa vanomutsvaka nomwoyo wose mubayiro wavo” (VaHebheru 11:6). Dai Mwari aida hake, Aingoerekana aoneka kuti nyika yose ibvume kuti ariko. Asi kudai aizoita izvozvo, kutenda kwaizoshaya basa. “Ipapo Jesu akati kwaari, “Nokuda kwokuti wandiona, zvino watenda; vakaropafadzwa avo vasina kuona asi vakatenda” (Johani 20:29).

Asi izvi hazvirevi kuti hakuna uchapupu hunoratidza kuti Mwari ariko. Bhaibheri rinoti “Matenga anotaura kubwinya kwaMwari; matenga anoparidza mabasa amaoko ake. Zuva nezuva anotaura; usiku nousiku anoratidza zivo. Hakuna mutauro kana rurimi kusinganzwiki inzwi ravo. Inzwi razvo rinosvika panyika yose, mashoko azvo kumagumo apasi” (Mapisarema 19:1-4). Tichitarisa nyeredzi, kunzwisisa kukura nekushamisa kwezviri muchadenga, kunyatsocherechedza kunaka kwezvisikwa zvepasi, kuona kunaka kwezuva kana rava kudoka—zvose izvi zvinoratidza kuti kuna Mwari Musiki. Kana tisiri kugutsikana nazvo, tinoona uchapupu hwokuti kuna Mwari mumwoyo yedu. Muparidzi 3:11 inotiudza kuti “ . . . Akaisawo zvisingaperi mumwoyo yavanhu.” Nechepasi pemwoyo tinoziva kuti upenyu uhu handihwo hwega huriko uye kuti kune mumwe munhu mukuru kwatiri. Tingangoramba hedu tichiti tinoda kutanga tamuona nemeso edu, asi chokwadi ndechekuti Mwari ariko, tichida tisingadi. Zvisinei, Bhaibheri rinonyevera richiti vamwe vacharamba kuti Mwari ariko: “Benzi rinoti mumwoyo maro, “Hakuna Mwari.” (Mapisarema 14:1) Sezvo ruzhinji rwevanhu kubva pasi chigare, vanobva kwese kwese, vane mararamiro akasiyana-siyana, vanogara munyika dzepasi pose vachidavira kuti kuna Mwari, pane chimwe chinhu (kana kuti mumwe munhu) anoita kuti vadavire izvozvo.

Kuwedzera pauchapupu huri muBhaibheri hwokuti Mwari ariko, kune umwewo uchapupu. Kutanga, pane uchapupu hweOntology. Pfungwa iyi inoti Mwari ariko zvichibva pane zvakati wandei. Inotanga nekutsanangura Mwari ichiti “munhu ane masimba ekuti hapana mumwe anomudarika.” Saka zvinobva zvanzi kudavira kuti ariko kuri nani pane kudavira kuti haako, saka munhu ane simba rakadaro ariko zvechokwadi. Dai Mwari asiko, zvaisaita musoro kuti anzi ndiye samasimba iye asingararame, izvi zvaitopikisana netsanangudzo yekuti Mwari ndiani yataurwa.

Chechipiri, pane uchapupu hweTeleology. Uchapupu uhu hunoti sezvo zvinhu zviri muchadenga nepanyika zvichiratidza kuti zvakagadzirwa nenyanzvi, saka pane Nyanzvi yacho yakazvigadzira ine simba rinodarika redu vanhu. Semuenzaniso, kudai Nyika yatinogara iyi yanga iri pedyo kana kuti kure nezuva nemakiromita mazana mashoma, hapana chinhu chingadai chichirarama panyika pano. Dai zvinhu zviri panyika pano zvakadai sesimbi nemhepo zvanga zvakangoti siyanei nezvazviri, kanhu kese kapenyu pasi pano kaibva kafa. Mukana wekuti puroteni rimwe chete rizvigadzire roga i1 mu10 243, zvichireva kuti 10 anoteverwa nemazero 243. Sero rimwe chete rine mapuroteni anosvika mamiriyoni.

Chechitatu, pane uchapupu hwekuti Mwari ariko hunonzi Cosmology. Uchapupu uhu hunoti chiitiko chese chine chinochikonzera. Nyika ino nezvese zviri muchadenga chiitiko. Pane chakakonzera kuti zvivepo. Zvinoreva kuti pane chinhu “chakagara chiripo” chakaita kuti zvimwe zvinhu zvose zvizovepo. Chinhu ichocho “chakagara chiripo” ndicho Mwari.

Chechina, pane uchapupu hwetsika nemagariro. Kubvira makare-kare, vanhu vave vaine mitemo yavanotevedza. Munhu ega ega anoziva zvakanaka nezvakaipa. Hapana nyika ine vanhu vanofarira kuuraya, kureva nhema, kuba, uye unzenza. Ndiani akaudza vanhu kuti zvinhu izvi zvakaipa kana asiri Mwari?

Pasinei neuchapupu hwese uhu, Bhaibheri rinotiudza kuti vanhu vacharamba uchapupu huri pachena uhu nezvaMwari vachibvuma zvenhema. VaRoma 1:25 inoti “Vakatsinhanisa zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata uye vakashumira zvisikwa panzvimbo yoMusiki, iye anokudzwa nokusingaperi. Ameni.” Bhaibheri rinotaura zvekare kuti vanhu havana chingavatadzise kubvuma kuti Mwari ariko: “Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvisingaonekwi zvaMwari, iro simba rake rinogara nokusingaperi nouMwari hwake, zvakanyatsoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa kubva pazvinhu zvakaitwa, kuitira kuti vanhu varege kuva nepembedzo” (VaRoma 1:20).

Vanhu vanoti hakuna Mwari nokuti ndizvo zvinotaurwa nevanhu ‘vesayenzi’ kana kuti vanoti ‘hapana uchapupu.’ Chokwadi ndechekuti vanoziva kuti vakabvuma kuti ariko, vanofanira kumuteerera vokumbira ruregerero kubva kwaAri (VaRoma 3:23, 6:23). Kana Mwari ariko, zviito zvedu zvinofanira kuenderana nezvaAnoda. Kana kusina Mwari tinokwanisa kungoita zvatada tisingatye kuti Mwari achatitonga. Ndokusaka vaya vanoramba kuti kuna Mwari vachidavira kuti zvinhu zvakaita zvokushanduka—vanodavira izvozvo pane kudavira kuti kuna Mwari Musiki. Mwari ariko uye munhu wose anozviziva. Kuedza nesimba kunoitwa nevamwe kutsanangura kuti hakuna Mwari, kunotoratidza kuti saka ariko.

Tinoziva sei kuti Mwari ariko? SevaKristu, tinoziva kuti Mwari ariko nokuti tinotaura Naye zuva nezuva. Hatimunzwi nenzeve dzedu achinyatsotaura nesu, asi tinonzwa kuti aripo, tinooona achititungamirira, tinoziva rudo rwake, tinoda kunzwirwa nyasha Naye. Pane zviitiko zvemuupenyu hwedu zvisinganzwisisike tikasatoti ndiMwari. Mwari akatiponesa nenzira inoshamisa uye akachinja upenyu hwedu zvekuti tinongonzwa tichida kumurumbidza. Pauchapupu hwese hwataurwa, hapana hunokwanisa kunyengetedza munhu kuti abvume zvinhu izvi zvingori pachena. Pakupedzisira mumwe nomumwe anofanira kutenda kuti Mwari ariko (VaHebheru 11:6). Kutenda muna Mwari hakusi kungoita mawiramombe, asi kuti kufamba uchipinda muimba ine chiedza chakajeka munenge muine vanhu vazhinji nechekare.

English



Dzokera kupeji yekutanga yemutauro weShona

Mwari ariko here? Kune umbowo here unoratidza kuti ariko Mwari?
© Copyright Got Questions Ministries