settings icon
share icon
Mubvunzo

Ndingaziva sei kuti zvechokwadi ndikafa ndichaenda kudenga?

Mhinduro


Une chokwadi here kuti uchawana upenyu husingaperi uye kuti uchaenda kudenga kana wafa? Mwari anoda kuti uve nechokwadi nazvo! Bhaibheri rinoti: “Ndanyora izvi kwamuri imi munotenda muzita roMwanakomana waMwari kuitira kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi” (1 Johani 5:13). Ngatimbotii izvozvi womira pamberi paMwari obva Akubvunza kuti, “Nei ndichifanira kukupinza Denga?” Waizotii? Ungatadza kuziva kuti waizopindura uchitii. Chaunofanira kuziva ndechekuti Mwari anotida uye anotipa nzira yatinogona kuziva nayo kwatichaenda kana tafa. Bhaibheri rinozvitaura nenzira iyi: “Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi” (Johani 3:16).

Tinofanira kutanga tanzwisisa dambudziko riri kutitadzisa kupinda Denga. Dambudziko racho ndeiri – kuva nezvivi kunoita kuti tisava neukama hwakanaka naMwari. Takaberekwa tichitadza uye tinosarudza kutadza. “Nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari” (VaRoma 3:23). Hatikwanisi kuzviponesa. “Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari, kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza” (VaEfeso 2:8-9). Takakodzerwa nerufu uye hero. “Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu” (VaRoma 6:23).

Mwari mutsvene uye anoruramisira uye anofanira kuranga vatadzi, asi anotida uye akaita kuti tikwanise kuregererwa zvivi zvedu. Jesu akati: “Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri” (Johani 14:6). Jesu akatifira pamuchinjikwa: “Nokuti Kristu akafira zvivi zvavose kamwe chete; akarurama nokuda kwavasakarurama, kuti akuuyisei kuna Mwari” (1 Petro 3:18). Jesu akamutswa kubva kuvakafa: “Akaiswa kurufu nokuda kwezvivi zvedu uye akamutswa kuvapenyu nokuda kwokururamiswa kwedu” (VaRoma 4:25).

Saka, ngatidzokerei pamubvunzo watambobvunza pekutanga – “Ndingaziva sei kuti zvechokwadi ndikafa ndichaenda kudenga?” Mhinduro yacho ndeiyi – tenda muna Ishe Jesu Kristu uye uchaponeswa (Mabasa 16:31). “Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari” (Johani 1:12). Unogona kuwana upenyu husingaperi sechipo CHEPACHENA. “Chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu” (VaRoma 6:23). Unogona kuva neupenyu hunofadza uye hunogutsa iye zvino. Jesu akati: “Ini ndakauya kuti ave noupenyu, uye ave nohwakazara” (Johani 10:10). Unogona kuzova naJesu kuDenga nokusingaperi, nokuti Iye akavimbisa kuti: “Uye kana ndikaenda kundokugadzirirai nzvimbo, ndichadzoka ndozokutorai kuti muve neni, kuti nemiwo mugova kwandinenge ndiri” (Johani 14:3).

Kana uchida kugamuchira Jesu Kristu semuponesi wako woregererwa naMwari, pano pane munyengetero waungapa. Asi hazvirevi kuti kudzokorora munyengetero uyu kana umwewo kuchakuponesa. Chichakuponesa chete pazvitadzo kuvimba naKristu. Munyengetero uyu ingori nzira yekuti uudze Mwari kutenda kwako nokuti akaita kuti ukwanise kuponeswa. "Mwari, ndinoziva kuti ndakakutadzirai uye ndinofanira kurangwa. Asi Jesu Kristu akatakura chirango chacho chaifanira kuuya pandiri zvoita kuti kana ndikatenda maari ndiregererwe. Ndinovimba Nemi kuti mundiponese. Ndinokutendai netsitsi dzenyu dzinoshamisa uye kuregerera kwenyu—chipo cheupenyu husingaperi! Ameni!"

Zvawaverenga pano zvaita kuti ude Kristu here? Kana zvirizvo, dzvanya bhatani rakanzi “Nhasi ndagamuchira Kristu” riri pasi apa.

English



Dzokera kupeji yekutanga yemutauro weShona

Ndingaziva sei kuti zvechokwadi ndikafa ndichaenda kudenga?
© Copyright Got Questions Ministries