settings icon
share icon
Mubvunzo

Ndechipi chitendero chakandinakira?

Mhinduro


Maresitorendi anotikwezva pakuti anotibvumidza kutenga zvokudya zvatinenge tichida zvacho chaizvo. Mamwe maresitorendi anotengesa kofi ane mazana nemazana ekofi dzinonaka zvakasiyana-siyana. Kunyange paya patinotenga imba kana motokari, tinogona kutarisa iya inenge iine twese twatinoda. Yangova sarura ude. Zvinhu zvangova mavhu nemarara! Unogona kuwana chero kanhu kaunoda kanoenderana newe pachako.

Saka zvakadii nechitendero chinowirirana nezvaunoda iwe pachako? Kune chitendero chisingaiti kuti unzwe uine mhosva here, chisina twakawanda-wanda tunonzi ichi ita, ichi usaita? Chiriko, sekutsanangura kwandaita. Asi chitendero chinofanira kusarudzwa sekusarudza kwaungaita madomasi pamusika here?

Kune vazhinji vanoda kuti tipinde chitendero chavo, saka zvine basa here kufunga nezvaJesu kumusoro, tomboti, Muhammad kana Confucius, Buddha, kana Charles Taze Russell, kana Joseph Smith? Hazvisirizvo here kuti nzira dzose dzinokwira kuDenga? Zvitendero zvose hazvina kufanana here? Chokwadi ndechekuti hazvisi zvitendero zvose zvinopinza Denga, inga hadzisi nzira dzose dzinoenda kuHarare wani.

Jesu ndiye chete anotaura nesimba rinobva kuna Mwari nokuti Jesu ndiye chete akakunda rufu. Muhammad, Confucius, nevamwe vari kuora vari mumakuva avo kutaura kuno. Asi Jesu, nesimba Rake pachake, akafamba achibva muguva mazuva matatu afira pamuchinjikwa wairwadza wevaRoma. Tinofanira kuteerera ani nani ane simba rokukunda rufu. Tinofanira kunzwa ani nani ane simba rokukunda rufu.

Kune uchapupu husingaverengeki hwokuti Jesu akamutswa. Hwokutanga, kune zvapupu zvaidarika mazana mashanu zvakaona nemeso Jesu akanga amutswa! Izvi zvapupu zvakawanda chokwadi. Hatikwanisi kupikisa mazwi evanhu vose ava. Kwozotiwo guva rakanga risina munhu. Vavengi vaJesu vaikwanisa kunyararidza vaya vaiti Jesu akanga amutswa kudai vakakwanisa kubudisa mutumbi wake wakanga wava kuora, asi pakanga pasina mutumbi wakanga wava kuora wokuti varatidze vanhu! Muguva macho makanga musina chitunha! Kuti vadzidzi vakanga vaba chitunha Chake here? Hazvigoni kudaro. Kuti izvi zvigorega kuzoitika, guva raJesu rakanga rakarindwa zvakapfurikidza nemasoja akapakata zvombo. Tikafunga kuti vateveri vaJesu vaiva pedyo naye vakanga vatiza vachitya paya paakasungwa uye kurovererwa, hazvaigona kuti varedzi vehove ava vaidedera nokutya vamisidzane nemasoja akadzidzira basa. Uye dai kuri kunzi haana kumuka, vaisazokwanisa kubvuma kufira kutenda—sezvakaitwa nevazhinji vavo—vachifira nhema. Chokwadi chiri pachena ndechekuti Jesu akamuka, tichida tisingadi!

Saka, tinofanira kunzwa ani nani ane simba rokukunda rufu. Jesu akaratidza kuti ane simba kukunda rufu; saka tinofanira kunzwa kuti anoti kudii. Jesu anoti ndiye chete nzira yekuponeswa nayo (Johani 14:6). Haasi imwe yenzira dzakawanda. Jesu ndiye chete nzira.

Jesu uyu ndiyezve anoti, "Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo" (Mateo 11:28). Nyika yatiri yakaoma uye upenyu hwakaoma. Vazhinji vedu taoneswa chitsvuku nehondo. Handizvo here? Saka unodei? Kudzokera kuna Mwari kana kuti chero chitendero chawawana? Unoda Muponesi mupenyu here kana kuti "vaprofita" vakanguri vafa? Unoda kunamata chaiko here kana kuti kungoitawo mitambo yechitendero isina zvainobatsira? Hakusi kuti unokwanisa kusarudza Jesu pane vakawanda—Ndiye chete waunofanira kutora!

Jesu ndiye "chitendero" chakarurama kana uri kutsvaga kukanganwirwa zvivi (Mabasa 10:43). Jesu ndiye "chitendero" chakarurama kana uri kuda kuva shamwari yaMwari inogutsikana (Johani 10:10). Jesu ndiye "chitendero" chakarurama kana uri kutsvaga musha unogara uripo Kudenga (Johani 3:16). Tenda muna Jesu seMuponesi wako; hauzombozvidembi! Vimba naye kuti ukanganwirwe zvitadzo zvako; haazokurasisi.

Kana uchida kuva "shamwari yepamwoyo" yaMwari, pano pane munyengetero waungapa. Asi hazvirevi kuti kudzokorora munyengetero uyu kana umwewo kuchakuponesa. Chichakuponesa chete pazvitadzo kuvimba naKristu. Munyengetero uyu ingori nzira yekuti uudze Mwari kutenda kwako nokuti akaita kuti ukwanise kuponeswa. "Mwari, ndinoziva kuti ndakakutadzirai uye ndinofanira kurangwa. Asi Jesu Kristu akatakura chirango chacho chaifanira kuuya pandiri zvoita kuti kana ndikatenda maari ndiregererwe. Ndinovimba Nemi kuti mundiponese. Ndinokutendai netsitsi dzenyu dzinoshamisa uye kuregerera kwenyu—chipo cheupenyu husingaperi! Ameni!"

Zvawaverenga pano zvaita kuti ude Kristu here? Kana zvirizvo, dzvanya bhatani rakanzi “Nhasi ndagamuchira Kristu” riri pasi apa.

English



Dzokera kupeji yekutanga yemutauro weShona

Ndechipi chitendero chakandinakira?
© Copyright Got Questions Ministries