settings icon
share icon
Mubvunzo

Chii chinonzi Ruponeso Mubhuku raVaRoma?

Mhinduro


Ruponeso Mubhuku raVaRoma inzira yokutsanangura nayo mashoko akanaka eruponeso tichishandisa mavhesi ari Mubhuku raVaRoma. Inzira iri nyore asi ine simba yokutsanangura kuti nei tichida ruponeso, kuti Mwari akapa sei ruponeso, kuti tingawana sei ruponeso, uye kuti ruponeso runoguma nekuwana chii.

Vhesi yekutanga yeRuponeso Mubhuku raVaRoma ndiVaRoma 3:23, "Nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari." Tose takatadza. Tose takaita zvinhu zvisingafadzi Mwari. Hapana asina mhosva. VaRoma 3:10-18 inotsanangura zvakajeka kuti chitadzo chinoita sei paupenyu hwedu. Rugwaro rwechipiri paRuponeso Mubhuku raVaRoma, ndiVaRoma 6:23, inotidzidzisa mugumisiro wekutadza - "Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu." Chirango chatakapiwa chezvivi zvedu rufu. Kwete kungofa panyama chete, asi kufa zvachose!

Vhesi yechitatu paRuponeso Mubhuku raVaRoma inoenderera mberi panenge pasiyirwa naVaRoma 6:23, " asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu." VaRoma 5:8 inoti, "Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira." Jesu Kristu akatifira! Rufu rwaJesu rwakabhadhara zvitadzo zvedu. Kumuka kwaJesu kunoratidza kuti Mwari akabvuma kuti rufu rwaJesu rubhadhare zvitadzo zvedu.

Vhesi yechina paRuponeso Mubhuku raVaRoma ndiVaRoma 10:9, "Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa." Tichaponeswa—kana tikatenda muna Jesu, tobvuma kuti kufa kwake kwakabhadhara zvitadzo zvedu! VaRoma 10:13 inodarozve ichiti, "nokuti ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa." Jesu akafira kuti abhadhare mubayiro wezvitadzo zvedu otinunura parufu rusingaperi. Ruponeso, kuregererwa zvitadzo, runowanika kuna ani nani anobvuma Jesu seMuponesi naIshe wake.

Chikamu chekupedzisira paRuponeso Mubhuku raVaRoma ndezviya zvinoitika kana munhu aponeswa. VaRoma 5:1 ine mashoko aya anofadza chaizvo, "Naizvozvo, zvatinoruramiswa nokutenda, tino rugare naMwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu." Tinogona kuva shamwari dzine rugare naMwari pachishandiswa Jesu Kristu. VaRoma 8:1 inotidzidzisa kuti, "Naizvozvo zvino, hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu." Nemhaka yokuti Jesu akatifira, hatipiwi mhosva nokuda kwekudarika kwedu. Pakupedzisira, tine chipikirwa chakakosha chinobva kuna Mwari pana VaRoma 8:38-39, "Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana madhimoni, kana zvazvino, kana zvichauya, kana masimba api zvawo, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chimwe chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu."

Ungada kutevera Ruponeso Mubhuku raVaRoma here? Kana uchida, pano pane munyengetero waungapa. Asi hazvirevi kuti kudzokorora munyengetero uyu kana umwewo kuchakuponesa. Chichakuponesa chete pazvitadzo kuvimba naKristu. Munyengetero uyu ingori nzira yekuti uudze Mwari kutenda kwako nokuti akaita kuti ukwanise kuponeswa. "Mwari, ndinoziva kuti ndakakutadzirai uye ndinofanira kurangwa. Asi Jesu Kristu akatakura chirango chacho chaifanira kuuya pandiri zvoita kuti kana ndikatenda maari ndiregererwe. Ndinovimba Nemi kuti mundiponese. Ndinokutendai netsitsi dzenyu dzinoshamisa uye kuregerera kwenyu—chipo cheupenyu husingaperi! Ameni!"

Zvawaverenga pano zvaita kuti ude Kristu here? Kana zvirizvo, dzvanya bhatani rakanzi “Nhasi ndagamuchira Kristu” riri pasi apa.

English



Dzokera kupeji yekutanga yemutauro weShona

Chii chinonzi Ruponeso Mubhuku raVaRoma?
© Copyright Got Questions Ministries