settings icon
share icon
Mubvunzo

Ndava kutenda muna Jesu . . . chii chasara?

Mhinduro


Ndava kutenda muna Jesu . . . chii chasara?

Makorokoto! Waita chisarudzo chichachinja upenyu hwako! Pamwe wava kubvunza kuti chii chasara? Rwendo rwangu naMwari ndoruvamba sei? Nzira shanu dziri pasi apa dzichakupa gwara kubva muBhaibheri. Kana uine mibvunzo murwendo rwako tapota enda pa: www.GotQuestions.org/Shona.

1. Nyatsonzwisisa chinonzi kuponeswa.

1 Johani 5:13 inotiudza kuti “Ndanyora izvi kwamuri imi munotenda muzita roMwanakomana waMwari kuitira kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi.” Mwari anoda kuti tinzwisise chinonzi kuponeswa. Mwari anoda kuti tive nechokwadi chokuti takaponeswa. Ngatidzokorore zvishoma zvinonyatsoreva kuponeswa:

(a) Tose takatadza. Tose takaita zvinhu zvisingafadzi Mwari (VaRoma 3:23).

(b) Nemhaka yezvitadzo zvedu, tinofanirwa kurangwa nekubviswa pana Mwari zvachose (VaRoma 6:23).

(c) Jesu akafira pamuchinjikwa kuti tiregererwe zvitadzo zvedu (VaRoma 5:8; 2 VaKorinde 5: 21). Jesu akafa panzvimbo yedu achitora mutongo wedu. Kumuka kwake kwakazoratidza kuti kufa kwake kwainge kwaita kuti tiregererwe.

(d) Mwari anoregerera uye anoponesa vanhu vose vanotenda muna Jesu— vachibvuma kuti kufa kwake kwakabhadhara zvitadzo zvedu (Johani 3:16; VaRoma 5:1; VaRoma 8:1).

Iri ndiro shoko rekuponeswa! Kana wava kutenda muna Jesu Kristu semuponesi wako, waponeswa! Zvitadzo zvako zvese zvaregererwa uye Mwari anokupa chitsidzo chekuti haakusiye kana kukukanganwa (VaRoma 8:38-39; Mateo 28:20). Usakanganwe kuti ruponeso rwakasimbiswa muna Jesu Kristu (Johani 10:28-29). Kana uchivimba naJesu chete semuponesi wako, gara watoziva kuti uchava neupenyu husingaperi kudenga naMwari.

2. Tsvaga chechi yakanaka inokudzidzisa zviri muBhaibheri.

Usafunga kuti chechi chivako. Chechi vanhu vacho. Zvakakosha kuti vanotenda muna Jesu Kristu vanamate vari pamwe chete. Zvawava kutenda muna Jesu Kristu, tinokukurudzira kuti utsvage chechi inodzidzisa zviri muBhaibheri iri kwaunogara uye taura nemufundisi aripo. Muudze kuti wava kutenda muna Jesu Kristu.

Basa rechipiri rechechi nderekudzidzisa Bhaibheri. Unokwanisa kudzidza kushandisa mitemo yaMwari muupenyu hwako. Kunzwisisa Bhaibheri kuchakubatsira kubudirira muupenyu semuKristu. 2 Timoti 3:16-17 inoti “Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, kurayira, kutsiura nokurairidza mukururama, kuti munhu waMwari akwaniswe kwazvo agadzirirwa mabasa ose akanaka.”

Basa rechitatu rechechi nderekunamata. Kunamata kutenda Mwari nokuda kwezvose zvaakaita. Mwari akatiponesa. Mwari anotida. Mwari anotipa zvatinoda pakurarama. Mwari anotiratidza nzira dzekufamba nadzo. Tingatadze nei kumutenda? Mwari mutsvene, akarurama, ane rudo, ane tsitsi uye akazara nenyasha. Zvakazarurwa 4:11 inoti “Makafanira, Ishe naMwari wedu, kugamuchira mbiri nokukudzwa, uye nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, nokuda kwenyu zvakasikwa, uye zviripo nokuda kwenyu.”

3. Zuva nezuva iva nenguva yekufunga nezvaMwari.

Zvakakosha kuti zuva nezuva tive nenguva yekufunga nezvaMwari. Vamwe vanoiti nguva yekufungisisa, vamwe vachiiti “yekuzvipira” nokuti inguva yekuzviisa pana Mwari. Vamwe vanoda mangwanani-ngwanani, vamwe vachida manheru. Hazvina mhosva kuti unoiti chii nguva iyi kana kuti unoda nguvai. Chakakosha kuva nenguva yekufungisisa nezvaMwari. Chii chaungaita panguva yako naMwari?

(a) Munyengetero. Kunyengetera kutaura naMwari. Udza Mwari zvinokudya mwoyo nematambudziko ako. Kumbira Mwari kuti akupe uchenjeri uye akutungamirire. Kumbira Mwari kuti akupe zvekurarama nazvo. Udza Mwari madiro aunomuita uye kuti unoonga zvakadini zvose zvaakakuitira. Izvi ndizvo zvaungataura kana uchinyengetera.

(b) Kuverenga Bhaibheri. Kuwedzera pakudzidziswa Bhaibheri kuchechi, kuSande Sikuru, kana kuita zvidzidzo zveBhaibheri—unofanira kuzviverengerawo Bhaibheri uri woga. Bhaibheri rine zvese zvaunoda kuti urarame upenyu hwechiKristu hwakanaka. Rinodzidzisa kusarudza nekuchenjera, kuziva zvinodiwa naMwari, kushumira vamwe, uye kuti ungakura sei pakunamata. Bhaibheri ndiro mashoko aMwari kwatiri okuti tingararama sei tichimufadza uye tichigutsikana.

4. Shamwaridzana nevanhu vanokwanisa kukubatsira pakunamata kwako.

1 VaKorinde 15:33 inotiudza kuti “Musanyengerwa: “Ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.” Bhaibheri rakazara nenyevero maererano nevanhu “vakaipa.” Kuswera nevatadzi kunoita kuti isu tinzwewo kuda kutyora mitemo. “Tinotoredzera” unhu hwevanhu vatinogara navo. Ndokusaka zvakakosha chaizvo kuswera nevanhu vanoda Ishe uye vakazvipira kwaari.

Edza kutsvaga shamwari imwe chete kana mbiri kuchechi kwako dzinogona kukubatsira uye kukukurudzira (VaHebheru 3:13; 10:24). Udza shamwari dzako kuti dzikupe nguva yekuva woga uchifungisisa, uchiita mabasa uye uchifamba naMwari. Kumbira kuti iwe uvaitirewo izvozvo. Izvi hazvirevi kuti wochirasa shamwari dzako dzose dzisingazivi Ishe Jesu seMuponesi wadzo. Ramba uine ushamwari navo uye vade. Chingoita kuti vazive kuti Jesu akashandura upenyu hwako saka haukwanisi kuita zvimwe zvinhu zvawaimboita navo. Kumbira Mwari kuti akupe mukana wekuudza shamwari dzako nezvaJesu.

5. Bhabhatidzwa.

Vanhu vazhinji havanzwisisi kuti chii chinonzi kubhabhatidzwa. Shoko rokuti “bhabhatidza” rinoreva kunyudza mumvura. Rubhabhatidzo inzira yemuBhaibheri yekuratidza paruzhinji kuti wava mutendi mutsva waKristu uye kuti watsidza kumutevera. Kunyudzwa mumvura kunofananidzira kuvigwa muna Kristu. Kubuda mumvura kunofananidzira kumuka kwaKristu. Kubhabhatidzwa kuzvizivisa kuti uri pamwe nekufa kwaJesu, kuvigwa uye kumuka (VaRoma 6:3-4).

Kubhabhatidzwa handiko kunokuponesa. Kubhabhatidzwa hakubvisi zvivi zvako. Kubhabhatidzwa idanho rekuteerera, kuzivisa paruzhinji kuti unotenda kuti Jesu ndiye Muponesi. Kubhabhatidzwa kwakakosha nokuti idanho rinoratidza kuti unoteerera—uchizivisa paruzhinji kuti unotenda muna Kristu uye wazvipira kwaari. Kana wagadzirira kubhabhatidzwa, udza mufundisi wako.

English



Dzokera kupeji yekutanga yemutauro weShona

Ndava kutenda muna Jesu . . . chii chasara?
© Copyright Got Questions Ministries