settings icon
share icon
Mubvunzo

Mitemo mina yekunamata ndeipi?

Mhinduro


Mitemo Mina Yekunamata inzira yekuudza vamwe mashoko akanaka eruponeso runowanika nokutenda muna Jesu Kristu. Inzira iri nyore yokuronga mashoko akakosha ari mumabhuku eEvhangeri kuita zvikamu zvina.

Wokutanga paMitemo Mina Yekunamata ndeuyu, "Mwari anokuda uye ane zvinhu zvinoshamisa zvaakakurongera muupenyu hwako." Johani 3:16 inotiudza kuti, "Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi." Johani 10:10 inotiudza zvakauyira Jesu ichiti, "Ini ndakauya kuti ave noupenyu, uye ave nohwakazara." Chii chiri kutitadzisa kuwana rudo rwaMwari? Chii chiri kutitadzisa kuva neupenyu hwakazara?

Wechipiri paMitemo Mina Yekunamata ndeuyu, "Vanhu vakasvibiswa nechivi saka vakaparadzaniswa naMwari. Nemhaka yeizvi, hatikwanisi kuziva zvinhu zvinoshamisa zvatakagadzirirwa naMwari muupenyu hwedu." VaRoma 3:23 inotsigira mashoko aya ichiti, "nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari." VaRoma 6:23 inotiudza zvinoguma zvaitika nemhaka yechivi ichiti, "mubayiro wechivi ndirwo rufu." Mwari akatisika kuti tive neukama Naye. Zvisinei, vanhu vakaunza chivi panyika, zvikaita kuti vaparadzaniswe naMwari. Takaparadza ukama hwataiva nahwo naMwari uye hwaaida kuti tive nahwo. Chii chingagadzirisa zvinhu?

Wechitatu paMitemo Mina Yekunamata ndeuyu, "Jesu Kristu ndiye chete akapiwa vanhu naMwari nokuda kwezvivi zvedu. Kubudikidza naJesu Kristu, tinogona kuregererwa zvivi zvedu tova shamwari dzaMwari zvekare." VaRoma 5:8 inotiudza kuti, "Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira." 1 VaKorinde 15:3-4 inotiudzawo zvatinofanira kuziva uye kutenda kuti tiponeswe, "...kuti Kristu akafira zvivi zvedu sezvazvakanyorwa muMagwaro, kuti akavigwa, akamutswa pazuva rechitatu sezvazvakanyorwa muMagwaro..." Jesu Pachake anozivisa kuti Iye ndiye chete nzira yokuruponeso pana Johani 14:6, "Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri." Ndingawana sei chipo ichi chakanaka zvikuru choruponeso?

Wechina paMitemo Mina Yekunamata ndeuyu, "Tinofanira kutenda muna Jesu Kristu seMuponesi kuti tiwane chipo cheruponeso toziva zvinhu zvinoshamisa zvatakachengeterwa naMwari muupenyu hwedu." Johani 1:12 inotitsanangurira izvi ichiti, "Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari." Mabasa 16:31 inotaura zvakajeka kuti, "Tenda kuna She Jesu ugoponeswa!" Tinogona kuponeswa nenyasha chete, nokutenda chete, naJesu Kristu chete (VaEfeso 2:8-9).

Kana uchida kuvimba naJesu Kristu seMuponesi wako, udza Mwari mashoko anotevera. Kutaura mashoko aya hakuzokuponesi, asi kuvimba naKristu kuchakuponesa! Munyengetero uyu ingori nzira yekuti uudze Mwari kutenda kwako nokuti akaita kuti ukwanise kuponeswa. " Mwari, ndinoziva kuti ndakakutadzirai uye ndinofanira kurangwa. Asi Jesu Kristu akatakura chirango chacho chaifanira kuuya pandiri zvoita kuti kana ndikatenda maari ndiregererwe. Ndinovimba Nemi kuti mundiponese. Ndinokutendai netsitsi dzenyu dzinoshamisa uye kuregerera kwenyu—chipo cheupenyu husingaperi! Ameni!"

Zvawaverenga pano zvaita kuti ude Kristu here? Kana zvirizvo, dzvanya bhatani rakanzi “Nhasi ndagamuchira Kristu” riri pasi apa.

English



Dzokera kupeji yekutanga yemutauro weShona

Mitemo mina yekunamata ndeipi?
© Copyright Got Questions Ministries