settings icon
share icon
Mubvunzo

Chinangwa cheupenyu ndechipi?

Mhinduro


Chinangwa cheupenyu ndechipi? Ndingawana sei chinangwa, kugutsikana, uye kufara muupenyu? Ndinokwanisa kuitawo chimwe chinhu chinooneka here chichagara chiripo? Vanhu vazhinji havana kumbowana nguva yekubvunza mibvunzo iyi inokosha. Kana vachembera vanozocheuka shure voshaya kuti sei upenyu hwavo neshamwari hwakaparara uye sei vachinzwa kusurukirwa, kunyange kana vakaita zvose zvavakanga vachida muupenyu. Mumwe mutambi webaseball uyo akaguma anyorwa zita rake mubhuku reshasha dzebaseball reHall of Fame akabvunzwa zvaanoshuva kuti dai akaudzwa paakatanga kutamba baseball. Akapindura achiti, "Ndinoshuva kuti dai mumwe munhu akandiudza kuti kana wasvika pamusoro-soro, hapana chiripo." Kwapera makore tinozoona kuti tanga tichidzingirira mhepo.

Mukurarama kwedu, vanhu vanodzingana nezvakawanda, vachifunga kuti vachabura chimwe chinhu. Zvimwe zvinodzingirirwa nevanhu zvinosanganisira kubudirira mubhizimusi, kuwana upfumi, kuva neshamwari dzakanaka, kuwana bonde, kuvaraidzwa uye kuitira vamwe vanhu zvakanaka. Vanhu vakataura kuti kunyange zvazvo vakakwanisa kuita zvavaishuvira zvokuwana upfumi, shamwari dzakanaka,uye mafaro, vachiri kunzwa vasina kuzara, vachinzwa kusurukirwa kwakanyanya pasina chinokwanisa kuvanyevenutsa.

Munyori webhuku reBhaibheri raMuparidzi akataura nezvemanzwiro aya paakati, "Hazvina maturo! Hazvina maturo!...Hazvina maturo chose! Zvose hazvina maturo" (Muparidzi 1:2). Mambo Soromoni, uyo akanyora bhuku raMuparidzi, akanga akanota neupfumi, ari njeremupengo kudarika vose vaakararama navo kusanganisira isu, aine mazana evakadzi, midhandanda yedzimba uye mapindu aiyemurwa nevatongi vedzimwe nyika, aiwana zvekudya zvemandorokwati newaini yemberi, achivaraidzwa nezvakasiyana-siyana zvaiwanika panguva yacho. Uye pane imwe nguva akati zvose zvaidiwa nemwoyo wake, aizviwana. Asi akaguma ati "upenyu pasi pezuva"—upenyu hwemunhu anongofunga kugutsa maziso nenyama yake—hahuna maturo! Nei upenyu hwakadaro husingafadzi? Nemhaka yekuti Mwari akatisikira chimwe chinhu chatisingakwanisi kuona iye zvino. NezvaMwari, Soromoni akati, "Akaisawo zvisingaperi mumwoyo yavanhu..." (Muparidzi 3:11). Mumwoyo medu tinoziva kuti upenyu "hwaiye zvino" handihwo hwega huriko.

Muna Genesisi, bhuku rekutanga reBhaibheri, tinonzwa kuti Mwari akasika munhu nomufananidzo Wake (Genesisi 1:26). Izvi zvinoreva kuti takafanana naMwari kudarika chero chimwe chinhu (chero chimwe chisikwa chipenyu). Tinonzwawo kuti munhu asati atadza uye nyika isati yatukwa, zvinhu izvi zvaiva zvechokwadi: (1) Mwari akasika munhu achida kuva neshamwari (Genesisi 2:18-25); (2) Mwari akapa munhu basa (Genesisi 2:15); (3) Mwari aiva neushamwari nemunhu (Genesisi 3:8); uye (4) Mwari akapa munhu simba rekudzora nyika (Genesisi 1:26). Zvinhu izvi zvinorevei? Mwari aida kuti zvose izvi zviite kuti tinakidzwe neupenyu, asi zvose izvi (kunyanya kuva neushamwari naMwari) zvakakanganiswa pakatadza munhu uye kutukwa kwakazoitwa nyika (Genesisi 3).

Muna Zvakazarurwa, bhuku rekupedzisira reBhaibheri, Mwari anoratidza kuti achaparadza nyika iripo iye zvino nematenga atinoziva ounza zvinhu zvisingaperi nokusika matenga matsva nenyika itsva. Panguva iyoyo, Achaita kuti vanhu vose vakadzikinurwa vave shamwari dzake, ukuwo vaya vasina kudzikinurwa vachange vatongwa vachinzi havana kukodzera, vokandwa Mudziva Remoto (Zvakazarurwa 20:11-15). Kusvibisa kunoitwa nezvivi kuchabviswa; kuchange kusisina chitadzo, kusuwa, kurwara, kufa, kurwadziwa nezvimwewo. (Zvakazarurwa 21:4), uye vatendi vachagara nhaka yezvinhu zvose. Mwari achagara navo, uye vachava vanakomana Vake (Zvakazarurwa 21:7). Saka, tinenge tadzokera pokutanga pakuti Mwari akatisika kuti tive shamwari dzake, munhu akatadza, achidambura ushamwari ihwohwo, Mwari akadzosa ushamwari hwacho zvakakwana kune vaya vaanoti vakakodzera. Saka kana munhu akararama achiita zvose zvinomuparadzanisa zvachose naMwari paanofa hazvina kana nematuro ose! Asi Mwari akaita kuti mufaro usingaperi uvepo zvekare (Ruka 23:43), uyewo akaita kuti upenyu pasi pano hunakidze uye huve nechinangwa. Mufaro usingaperi uyu "seuri kudenga" unowanika sei?

CHINANGWA CHEUPENYU CHINODZORERWA PACHISHANDISWA JESU KRISTU

Chinangwa chaicho muupenyu, iye zvino uye nekusingaperi, chinowanika kana tadzokera pakuva neushamwari naMwari, hwakarasika panguva yakatadza Adhamu naEvha. Mazuvano, ushamwari ihwohwo naMwari hunokwanisika chete nekuMwanakomana Wake, Jesu Kristu (Mabasa 4:12; Johani 14:6; Johani 1:12). Upenyu husingaperi hunowanika kana munhu akapfidza zvitadzo zvake (kurega kuramba uchizviita kwava kuita kuti Kristu akuchinje kuva munhu mutsva) kwava kuvimba naJesu Kristu seMuponesi (ona mubvunzo wakanzi “Ndezvipi zvakarongwa kuti tipone?” kuti unzwe zvakawanda maererano nenyaya yakakosha chaizvo iyi).

Chinangwa chaicho muupenyu hachiwaniki nekungobvuma kuti Jesu Muponesi (izvozvo zvakanaka chaizvo). Pane kudaro, chinangwa chaicho muupenyu chinowanika kana munhu akatanga kutevera Kristu ari mudzidzi wake, achidzidza nezvake, otora nguva Naye muShoko Rake, Bhaibheri, kutaura Naye mumunyengetero, kwava kufamba Naye achiteerera mirayiro Yake yose. Kana usiri mutendi (kana kuti uchangobva kuva mutendi) zvichida mumwoyo mako wava kutoti, "Izvi handizvo zvinondipa chinangwa izvi!" Asi tapota imboramba uchiverenga. Jesu akataura mashoko aya:

“Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo. Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu hariremi uye mutoro wangu wakareruka” (Mateo 11:28-30). “Ndakauya kuti ave noupenyu, uye ave nohwakazara” (Johani 10:10b). “Kana paine anoda kunditevera, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere. Nokuti ani naani anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana” (Mateo 16:24-25). “Farikana muna Jehovha, uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako” (Mapisarema 37:4).

Mavhesi ose aya ari kureva kuti tisu tinosarudza. Tinogona kuramba tichizviraramira, poshaya chinobuda muupenyu hwedu, kana kuti tinogona kusarudza kutevera Mwari nemwoyo yedu yose, zvoguma nekurarama upenyu hwakakwana, towana zvose zvinodiwa nemwoyo yedu, togutsikana nokufara muupenyu. Izvi zvinoitika nokuti Musiki wedu anotida uye anoda kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka (apa hatisi kureva kuti tichava neupenyu hwakati chechetere, asi hunogutsa).

Kana uchifarira mitambo woenda kunoona mutambo, unogona kubhadhara mari shoma wogara "kwembombera" mudenga-denga munhandare, kana kuti unogona kubhadhara mazana emari wonyatsogara pedyo nevatambi kuti unyatsoona mutambo. Ndizvo zvakaita kurarama kwechiKristu. VaKristu vaya vanongoenda kuSvondo havagoni kunyatsoona mabasa aMwari. Havana kubhadhara mari yacho inodiwa. Mudzidzi waKristu anenge asiya zvishuvo zvenyama otevera zvinodiwa naMwari ndiye anokwanisa kunyatsoona mabasa Ake. Nokuti vanenge vabhadhara mari inodiwa (kuzvipa kuna Kristu zvakakwana kuti vaite kuda Kwake); vanova neupenyu hwakakwana; uye havazozviudzi, kana kuudza vavakidzani, kana kuudza Muiti wavo kuti dai ndakaziva! Wakabhadhara mari inodiwa here? Unoda kuibhadhara here? Kana zvakadaro, hauzorambi uchitsvaga kuti chinangwa cheupenyu ndechipi.

English



Dzokera kupeji yekutanga yemutauro weShona

Chinangwa cheupenyu ndechipi?
© Copyright Got Questions Ministries