settings icon
share icon
Mubvunzo

Mwari anotsanangurwa sei? Mwari akaita sei?

Mhinduro


Zvinofadza kuti, patiri kuedza kupindura mubvunzo uyu, kune zvakawanda zvinogona kuwanika nezvaMwari! Vaya vanoongorora tsananguro iyi zvingavabatsira kana vakatanga vaverenga ndima iyi yose; vozoverenga mavhesi ari pano kuti vanzwisise zvakadzama. Magwaro aiswa pano akakosha, nokuti pasina Bhaibheri, mashoko aya anenge angofanana nezvinofungwa nemunhu; izvo kakawanda kacho zvisiri izvo zvinofungwa naMwari (Jobho 42:7). Kana tichiti zvakakosha kuti tiedze kunzwisisa kuti Mwari akaita sei, tinenge tichitoita musiya padiki! Kutadza kuita izvi kuchaita kuti tigadzire uye tinamate vanamwari venhema, izvo zvaAsingadi (Ekisodho 20:3-5).

Tinokwanisa kungoziva zviya zvinenge zvanzi naMwari Pachake tizive. Tinogona kutsanangura Mwari tichiti Iye "chiedza", izvo zvinoreva kuti Iye anozvizivisa pamashoko aanotiudza (Isaya 60:19, Jakobho 1:17). Hatifaniri kushaya hanya nechokwadi chokuti Mwari akazvizivisa kwatiri, tikadaro tinotadza kupinda muzororo Rake (VaHebheru 4:1). Zvinhu zvakasikwa, Bhaibheri, uye Shoko rakava nyama (Jesu Kristu) zvichatibatsira kuziva kuti Mwari akaita sei.

Ngatitange nokunzwisisa kuti Mwari ndiye Musiki wedu uye tiri vanhu vaakasika pazvizhinji zvaakasika (Genesisi 1:1; Mapisarema 24:1). Mwari akati munhu akasikwa nomufananidzo Wake. Munhu ndiye mukuru pane zvakasikwa zvose uye akapiwa simba pazviri (Genesisi 1:26-28). Zvinhu zvakasikwa zvakakanganiswa 'nekutadza' asi zvichiri nekakubwinya kemabasa Ake (Genesisi 3:17-18; VaRoma 1:19-20). Tikafunga nezvekuwanda kwezvinhu zvakasikwa, kusanzwisisika kwazvo, kunaka kwazvo, uye kurongeka tinonzwa tichitya Mwari.

Kuverenga mamwe mazita aMwari kunogona kutibatsira pakutsvaka kuti iye ambori Ani. Mazita acho ndeaya:

Elohim – Ane simba, Mwari (Genesisi 1:1)
Adonai - Ishe, zvinoratidza ukama hwaTenzi nemuranda (Ekisodho 4:10,13)
El Elyon – Wekumusoro-soro, Ane Simba guru (Genesisi 14:20)
El Roi – Ane Simba anooona (Genesisi 16:13)
El Shaddai – Mwari Wemasimba Ose (Genesisi 17:1)
El Olam – Mwari wekusingaperi (Isaya 40:28)
Yahweh - ISHE "NDICHAVA", zvichireva kuti Mwari anozvigarisa aripo narini (Ekisodho 3:13,14).

Ngationei zvimwe zvinotsanangura Mwari izvi: Mwari anoramba aripo, zvichireva kuti Haana mavambo uye Haana magumo. Haafi, haaperi (Dhuteronomi 33:27; Mapisarema 90:2; 1 Timoti 1:17). Mwari haachinji, zvichireva kuti Iye akavimbika zvakakwana (Maraki 3:6; Numeri 23:19; Mapisarema 102:26,27). Mwari haaenzaniswi, zvichireva kuti hapana akafanana Naye mumabasa kana kuti zvaari; hapana akaenzana Naye uye akakwana (2 Samueri 7:22; Mapisarema 86:8; Isaya 40:25; Mateo 5:48). Mwari haanzvereki, zvichireva kuti haanzwisisiki, haanzvereki, hakuna angayera kunzwisisa Kwake (Isaya 40:28; Mapisarema 145:3; VaRoma 11:33,34).

Mwari anotonga zvakarurama, zvichireva kuti haana tsvete nemunhu (Dhuteronomi 32:4; Mapisarema 18:30). Mwari ane simba guru guru, zvichireva kuti Ane simba rose; Anogona kuita chero zvinomufadza, asi zvose zvaanoita zvinoenderana neunhu Hwake (Zvakazarurwa 19:6; Jeremia 32:17,27). Mwari aripo nguva dzose, zvichireva kuti haamboshayiki, kwese kwese; asi hazvirevi kuti Mwari zvinhu zvose zvose (Mapisarema 139:7-13; Jeremia 23:23). Mwari anoziva zvakaitika kare, zviri kuitika pari zvino uye zvichaitika mune remangwana, kunyange zvatiri kufunga chero nguva; saka sezvo achiziva zvose anotonga zvakarurama pasina kufevhera (Mapisarema 139:1-5; Zvirevo 5:21).

Mwari mumwe chete, zvichireva kuti hakuna mumwezve, uyewo zvinoreva kuti Iye oga ndiye anokwanisa kuzadzisa zvose zvinodiwa nezvinoshuviwa nemwoyo yedu, uye Iye oga ndiye akafanira kunamatwa nesu (Dhuteronomi 6:4). Mwari akarurama, zvichireva kuti Mwari haakwanisi kuregerera zvakaipa; nemhaka yekururama Kwake uye kutonga zvakanaka, Mwari akati Jesu aifanira kufira zvitadzo zvedu (Ekisodho 9:27; Mateo 27:45-46; VaRoma 3:21-26).

Mwari ndiye changamire, zvichireva kuti Iye mukuru kune vose; zvinhu zvose zvaakasika zvaiswa pamwe chete, zvichiziva kana kuti zvisingazivi, hazvikwanisi kukanganisa zvaAnenge aronga (Mapisarema 93:1; 95:3; Jeremia 23:20). Mwari mweya, zvichireva kuti haaoneki (Johani 1:18; 4:24). Mwari Utatu, zvichireva kuti Iye Vanhu vatatu mumumwe chete, vakafanana zvavari, vakaenzana musimba uye mukubwinya. Ona kuti pavhesi yekutanga yataurwa 'zita' ranyorwa richireva munhu mumwe chete kunyange zvazvo richitaura Vanhu vatatu vakasiyana - “Baba, Mwanakomana, Mweya Mutsvene” (Mateo 28:19; Mako 1:9-11). Mwari ichokwadi, zvichireva kuti Iye anobvumirana nezvose zvaari, Anoramba asina kukanganiswa uye haarevi nhema (Mapisarema 117:2; 1 Samueri 15:29).

Mwari mutsvene, zvichireva kuti haana kusvibiswa netsvina uye anotoivenga. Mwari anoona zvakaipa zvose uye zvinomushatirisa; kakawanda moto unotaurwa mumagwaro pamwe chete neutsvene. Mwari anonzi moto unoparadza (Isaya 6:3; Habhakuki 1:13; Ekisodho 3:2, 4, 5; VaHebheru 12:29). Mwari ane nyasha – izvi zvinosanganisira kunaka kwake, mutsa, tsitsi uye rudo – mashoko anoreva zvakasiyana-siyana pakunaka Kwake. Dai dzisiri nyasha dzaMwari taizotadza kusvika paAri. Asi hazvina kudaro, nokuti anoda chaizvo kuziva mumwe nomumwe wedu (Ekisodho 34:6; Mapisarema 31:19; 1 Petro 1:3; Johani 3:16; Johani 17:3).

Apa tangoedzawo kupindura mubvunzo wokuti Mwari akaita sei. Dai ukaramba uchimutsvaka nemwoyo wose (Jeremia 29:13).

English



Dzokera kupeji yekutanga yemutauro weShona

Mwari anotsanangurwa sei? Mwari akaita sei?
© Copyright Got Questions Ministries