settings icon
share icon
Mubvunzo

Mwari Ariko zvechokwadi here? Ndingaziva sei kuti Mwari Ariko zvechokwadi?

Mhinduro


Tinoziva kuti Mwari ariko zvechokwadi nokuti Iye akazvizivisa kwatiri munzira nhatu: mune zvaakasika, muShoko Rake, uye muMwanakomana Wake, Jesu Kristu.

Uchapupu huri pachena zvakanyanya hwekuti Mwari ariko zvinhu zvaakaita. “Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvisingaonekwi zvaMwari, iro simba rake rinogara nokusingaperi nouMwari hwake, zvakanyatsoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa kubva pazvinhu zvakaitwa, kuitira kuti vanhu varege kuva nepembedzo” (VaRoma 1:20). “Matenga anotaura kubwinya kwaMwari; matenga anoparidza mabasa amaoko ake.” (Mapisarema 19:1).

Ndikawana wachi pakati pesango, handingambofungi kuti yakangoerekana “yavapo” kana kuti yakagara ichingoripo. Ndichiona kugadzirwa kwakaitwa wachi yacho, zviri pachena kuti ine munhu akaigadzira. Nepo nyika yatigere ine zvinhu zvakawandisa zvinotaridza kuti zvakagadzirwa neunyanzvi. Hatishandisi wachi dzemumaoko kuti tizive nguva, asi tinoshandisa zvinhu zvakagadzirwa nemaoko aMwari—kutenderera kunogara kuchiita nyika (uye kushanda kunoita simbi inonzi cesium-133). Zviri muchadenga zvinoratidza kuti zvakagadzirwa nenyanzvi, saka zvinoreva kuti pane Nyanzvi Huru yakazviita.

Kana ndikawana meseji ine pasiwedhi, ndinotsvaga munhu anoziva kuti aise pasiwedhi ovhura meseji yacho. Mupfungwa dzangu ndinenge ndichiti pane munhu akachenjera atumira meseji yacho, munhu akaisa pasiwedhi yacho. “Pasiwedhi” inonzi DNA iri mumuviri medu yakaoma kunzwisisa zvakadini? Kuoma kwakaita pasiwedhi iyi yeDNA uye chinangwa chayo hazvitiudzi here kuti pane Munhu Akachenjera akaisa pasiwedhi yacho?

Mwari haana kungogadzira nyika yatinoona iyi ine twakawanda-wanda; akaisawo pfungwa dzisingaperi mumwoyo memunhu wose (Muparidzi 3:11). Vanhu vagara vanoziva kuti kune zvakawanda zviri mune ramangwana kudarika zvatiri kuona nemaziso iye zvino, kuti pane humwe upenyu huri nani pane huripo panyika. Kuziva kuti kune remangwana kunooneka nenzira dzinenge mbiri: kugadzira mitemo uye kunamata.

Vanhu kwese kwese, kubva pasichigare, vane tsika dzavanotevedza, idzo dzakada kufanana kuvanhu vanogara kwakasiyana-siyana. Somuenzaniso, panyika pose munhu wose anoda kudiwa, nepo vanhu vose vanoshora kunyepa. Kuva netsika uku kunoitwa nevanhu vose—kuziva zvakanaka nezvakaipa pasi pose—kunoratidza kuti kune Mumwe Munhu Ane Tsika watakatodza.

Saizvozvowo, vanhu panyika ino yose, pasinei netsika nemagariro avo, vane manamatiro avakatanga. Zvavanonamata zvingasiyana, asi hapana anoramba kuti kuna “musikavanhu.” Kuda kwatinoita kunamata kunowirirana nechokwadi chokuti Mwari akatisika “nomufananidzo wake” (Genesisi 1:27).

Mwari akazviratidzawo kwatiri kubudikidza neShoko Rake, Bhaibheri. MuMagwaro ose, zvingori pachena kuti kuna Mwari (Genesisi 1:1; Ekisodho 3:14). Benjamin Franklin paakanyora nhoroondo yeupenyu hwake, haana kuparadza nguva achida kuratidza kuti aiva munhu mupenyu. Saizvozvowo, Mwari haapedzi nguva yakawanda achida kutiratidza kuti Mupenyu mubhuku Rake. Kuchinja upenyu kunoitwa neBhaibheri, kuvimbika kwaro, uye zvishamiso zvakanyorwa mariri zvakakwana kuita kuti munhu ade kuriongorora.

Nzira yechitatu iyo Mwari anozviratidza kubudikidza neMwanakomana Wake, Jesu Kristu (Johani 14:6-11). “Pakutanga Shoko rakanga riripo, uye Shoko rakanga riri kuna Mwari, uye Shoko rakanga riri Mwari. Shoko rakava nyama rikagara nesu. Takaona kubwinya kwake” (VaKorose 2:9).

Muupenyu hwaJesu hunoshamisa, Akachengeta mutemo wakanyorwa muTestamende Yekare zvakakwana uye akazadzisa uprofita hune chokuita naMesiya (Mateo 5:17). Akaita mabasa asingaverengeki emutsa uye zvishamiso zvakawanda kuti asimbise Shoko rake uye kuratidza kuti akanga atumwa naMwari (Johani 21:24-25). Zvadaro, mazuva matatu arovererwa, Akamuka kubva kuvakafa, chokwadi chakatsinhirwa nemazana ezvapupu zvakaona nemeso amuka (1 VaKorinde 15:6). Nhoroondo dzakanyorwa dzezvakaitika kare dzakazara “neuchapupu” hwekuti Jesu ndiani. Sezvakataurwa nemuApostora Pauro, zvinhu izvi “hazvina kuitwa pakavanda” (Mabasa 26:26).

Tinoziva kuti kucharamba kuine vatsoropodzi vane zvavanofunga nezvaMwari uye vachadudzira sekuda kwavo. Kwozotiwo kune vaya vasingatendi chero vakapiwa uchapupu hwakawanda sei (Mapisarema 14:1). Zvinoda kutenda (VaHebheru 11:6).

English



Dzokera kupeji yekutanga yemutauro weShona

Mwari Ariko zvechokwadi here? Ndingaziva sei kuti Mwari Ariko zvechokwadi?
© Copyright Got Questions Ministries