settings icon
share icon
Mubvunzo

Jesu ndiye chete nzira yekuenda kudenga here?

Mhinduro


"Ndiri munhu akanaka, saka ndichaenda kudenga." "Ehe, ndinombokanganisawo, asi ndinoita zvinhu zvakanaka zvakawanda, saka ndichaenda kudenga." "Mwari haasi kuzondiendesa kuhero nemhaka chete yekuti handiiti zvinotaurwa neBhaibheri. Zvinhu zvachinja!" "Vanhu vakanyanya kuipa chete vakadai sevaya vanobata vana vaduku chibharo kana mhondi ndivo vanoenda kuhero."

Izvi ndizvo zvinofungwa nevakawanda, asi chokwadi ndechekuti dzese idzi inhema. Satani, mutongi wenyika, ndiye anoita kuti tifunge kudaro. Iye, nevose vanotevera nzira dzake, muvengi waMwari (1 Petro 5:8). Satani munyengeri uye kazhinji anovanza zvaari oita semunhu kwaye (2 VaKorinde 11:14), asi anodzora pfungwa dzevanhu vose vasingadi Mwari. "Vasingatendi vakapofumadzwa ndangariro dzavo namwari wenyika ino, kuti varege kuona chiedza chevhangeri rokubwinya kwaKristu, anova mufananidzo waMwari." (2 VaKorinde 4:4).

Ndezvekunyepa zvekunzi Mwari haana basa netuzvitadzo tudiki kana kuti hero ndeyevanhu "vakaipa." Zvitadzo zvose zvinotiparadzanisa naMwari, kunyange “kunyepa mbichana.” Munhu wose akatadza, uye hapana munhu akanaka zvekuti akodzere kupinda denga iye pachake (VaRoma 3:23). Kupinda denga hazvibvi pakuti tinoita zvakanaka zvakawanda kudarika zvakaipa zvatinoita; hatibudiriri kana tichidaro. "Uye kana zvava zvenyasha, saka hazvichisiri zvamabasa; kana dai zvaiva zvakadaro, nyasha hadzaizova nyasha" (VaRoma 11:6). Hatikwanisi kuita zvakanaka kuti tigoti takodzera kupinda denga (Tito 3:5).

"Pindai napasuo rakamanikana nokuti suo rakafara nenzira yakapamhamha zvinotungamirira kukuparadzwa, uye vazhinji vanopinda naro" (Mateo 7:13). Chero kana vanhu vose vakararama muzvitadzo munyika munenge muine vashoma vanotya Mwari, Mwari haazoregeri zvakadaro. "Kana muri imi, makanga makafa mukudarika kwenyu nomuzvivi, izvo zvamaigara mazviri pamaitevera nzira dzenyika ino uye nedzomutongi woushe hwomuchadenga, iwo mweya unoshanda zvino muna avo vasingateereri" (VaEfeso 2:1-2).

Mwari paakasika nyika, yakanga yakanaka zvokuti. Akabva asika Adhamu naEvha akavapa mukana wokusarudza zvavanoda, saka vaikwanisa kuzvisarudzira kutevera Mwari nokumuteerera. Asi vakayedzwa naSatani kuti vasateerera Mwari, vakatadza. Izvi zvakavaparadzanisa naMwari (nevamwe vanhu vose vakazovatevera, kusanganisira isu). Iye akakwana uye mutsvene uye anofanira kutonga zvitadzo. Sezvo tiri vatadzi, hatikwanisi kuyanana naMwari isu pachedu. Saka Mwari akaronga kuti tisangane Naye kudenga. "Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi" (Johani 3:16). "Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu" (VaRoma 6:23). Jesu akaberekwa kuti afire zvivi zvedu isu torega kufa. Mazuva matatu Afa, Akamuka kubva muguva (VaRoma 4:25), achiratidza kuti ane simba rinokunda rufu. Akavhara mukaha wakanga uripo pakati paMwari nevanhu kuti vakwanise kuva shamwari dzake kana vakatenda.

"Zvino uhu ndihwo upenyu husingaperi: kuti vakuzivei imi, Mwari oga wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma" (Johani 17:3). Vanhu vazhinji vanodavira kuti kuna Mwari, chero naSatani anobvumawo. Asi kuti tiponeswe, tinofanira kunamata Mwari, tova neushamwari naye, tosiya zvakaipa, tomutevera. Tinofanira kuvimba naJesu nezvose zvatinazvo uye mune zvose zvatinoita. "Kururama uku kunobva kuna Mwari kunouya kubudikidza nokutenda muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda. Hapana musiyano" (VaRoma 3:22). Bhaibheri rinodzidzisa kuti hakuna imwe nzira yatingaponeswa nayo kunze kwaKristu. Pana Johani 14:6 Jesu anoti, "Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri."

Jesu ndiye chete nzira yatinokwanisa kuponeswa nayo nokuti Ndiye chete aanokwanisa kubhadhara mubayiro wezvitadzo zvedu (VaRoma 6:23). Hakuna chimwe chitendero chinodzidzisa nezvechivi uye zvachinokonzeresa. Hakuna chimwe chitendero chinopa mubhadharo wechivi sewakapiwa naJesu Kristu. Hakuna mumwe “muvambi wechitendero” aiva Mwari akazova munhu (Johani 1:1, 14) –nzira chete yokubhadhara chikwereti chakakurisa zvachose. Jesu aifanira kuva Mwari kuti akwanise kubhadhara chikwereti chedu. Jesu aifanira kuva munhu kuti agofa. Ruponeso runouya chete nokutenda muna Jesu Kristu! “Hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa kuvanhu ratingaponeswa naro” (Mabasa 4:12).

Zvawaverenga pano zvaita kuti ude Kristu here? Kana zvirizvo, dzvanya bhatani rakanzi “Nhasi ndagamuchira Kristu” riri pasi apa.

English



Dzokera kupeji yekutanga yemutauro weShona

Jesu ndiye chete nzira yekuenda kudenga here?
© Copyright Got Questions Ministries